Isaiah 58

Kutsanya kwechokwadi

1“Danidzira nesimba, usanyarara.
Simudza inzwi rako sehwamanda.
Paridzira vanhu vangu kupanduka kwavo,
neimba yaJakobho zvivi zvavo.
2Nokuti zuva nezuva vanonditsvaka;
vanoita savane chido chokuziva nzira dzangu,
kunge vanga vari rudzi runoita zvakanaka
uye rusina kusiya mirayiro yaMwari wavo.
Vanondikumbira kutonga kwakarurama
sokunge vanofarira kuti Mwari auye pedyo navo.
3Vanoti, ‘Takatsanyireiko,
uye imi mukasazviona?
Takazvininipisireiko,
imi mukasazviona?’

“Asi pazuva rokutsanya kwenyu munoita zvamunoda
muchimanikidza vashandi venyu.
4Kutsanya kwenyu kunogumisira mukukakavadzana nemhirizhonga,
uye kurovana netsiva dzakaipisisa.
Hamungatsanyi sezvamunoita mazuva ano,
mugotarisira kuti inzwi renyu richanzwika kumusoro.
5Ko, ndiko here kutsanya kwandakasarudza,
zuva rimwe chete rokuti munhu azvininipise?
Ndezvokukotamisa musoro chete sorushanga here,
nokungovata pamusoro penguo dzamasaga namadota?
Ndiko kwamunoti kutsanya here,
pazuva rinodikanwa naJehovha?

6“Uku handiko kutsanya kwandakasarudza here:
Kusunungura ngetani dzokusaruramisira
nokusunungura zvitirobho zvejoko,
kusunungura vakamanikidzwa
nokuvhuna joko rimwe nerimwe?
7Hakuzi kugoverana zvokudya zvako nevane nzara,
nokupa varombo vanodzungaira pokugara here,
paunoona vakashama, kuvapfekedza,
uye kusafuratira venyama neropa rako?
8Ipapo chiedza chako chichabuda samambakwedza,
uye kuporeswa kwako kucharatidzwa nokukurumidza;
ipapo kururama kwako kuchakutungamirira,
uye kubwinya kwaJehovha kuchakurinda mumashure.
9Ipapo uchadana, Jehovha achakupindura;
uchadanidzira uchida rubatsiro, uye iye achati: Ndiri pano.

“Kana ukabvisa joko roudzvinyiriri,
kutendeka nomunwe nokutaura kwakaipa,
10uye ukapa zvokudya zvako kune vane nzara
uye ukagutsa vakamanikidzwa pakushaya kwavo,
ipapo chiedza chako chichabuda murima,
uye usiku hwako huchashanduka hukafanana namasikati.
11Jehovha achakutungamirira nguva dzose;
achakugutsa pakushaya kwako munyika yakapiswa nezuva
uye achasimbisa mapfupa ako.
Uchafanana nebindu rinodiridzwa nemvura yetsime,
sechitubu chine mvura isingapwi.
12Vanhu vako vachavakazve matongo akare
vachasimudza nheyo dzakare;
iwe uchanzi Mugadziri waMasvingo Akakoromoka,
Muvandudzi weMigwagwa ine Dzimba.

13“Kana ukachengeta tsoka dzako kuti dzisaputsa Sabata,
uye kuti dzisaita zvinokufadza iwe pazuva rangu dzvene,
kana ukati Sabata izuva rinofadza,
uye ukati zuva dzvene raJehovha izuva rinokudzwa,
uye kana ukarikudza nokusafamba munzira yako,
uye usingaiti zvinokufadza kana kutaura mashoko asina maturo,
14ipapo uchawana mufaro wako muna Jehovha,
uye ndichakuita kuti ukwire pakakwirira penyika,
uye ndichakugutsa nenhaka yababa vako Jakobho.”
Muromo waJehovha wazvitaura.
Copyright information for SnaBDSC